-
Ezekieri 41:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Mikoto yacho yainge iri nhurikidzwa nhatu, panhurikidzwa imwe neimwe paine dzimba 30. Madziro ese etemberi yacho akanga akagadzirwa achiiswa pekugadzikira matanda enhurikidzwa dzacho, kuti madziro acho asazoboorwa.+ 7 Kumativi maviri etemberi yacho kwaiva nemumwe mukoto waimonereka,* uchiita uchiwedzera kufara pawaikwidza kunhurikidzwa dzekumusoro.+ Mukoto wacho waiita uchiwedzera kufara kubva pane imwe nhurukidzwa kuenda pane imwe zvekuti munhu paaikwira kubva panhurikidzwa yepasi opfuura neyepakati achienda kune yekumusoro, aiona uchiwedzera kufara.
-