8 Akabva avaka imba Tsvenetsvene+ mairi; urefu hwayo hwakanga hwakaenzana nekufara kweimba yacho, makubhiti 20, uye yaiva yakafara makubhiti 20. Akaiisa matarenda 600 egoridhe rakanatswa.+ 9 Uremu hwegoridhe rezvipikiri hwaiva mashekeri 50; uye dzimba dzayo dzepadenga akadziisa goridhe.