-
2 Makoronike 5:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Saka mapapiro emakerubhi acho aiva akatambanudzwa pamusoro penzvimbo yaiva neAreka, zvekuti makerubhi acho akanga akavhara Areka yacho nemapango+ ayo nechepamusoro. 9 Mapango acho akanga akareba zvekuti kunoperera mapango acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yemukati, asi akanga asingaoneki uri kunze. Uye nanhasi achiri imomo. 10 MuAreka yacho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri akaiswa imomo naMozisi kuHorebhi,+ Jehovha paakaita sungano+ nevaIsraeri pavaibuda muIjipiti.+
-