-
Dheuteronomi 12:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Panzvimbo pekudaro, tsvagai Jehovha Mwari wenyu chero kwaanenge asarudza kuisa zita rake uye nzvimbo yake yaanenge achigara pakati pemadzinza enyu ese, moenda ikoko.+ 6 Ndiko kwamuchaunza mipiro yenyu inopiswa,+ zvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu,+ zvipo zvinobva mumaoko enyu,+ mipiro yemhiko, mipiro yenyu yekungopa muchizvidira,+ uye zvinotanga kuberekwa pamombe dzenyu nemakwai enyu.+
-
-
1 Madzimambo 8:28, 29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
28 Jehovha Mwari wangu, teererai munyengetero wemuranda wenyu nekukumbira kwake kunzwirwa nyasha, uye teererai kuchemera kubatsirwa kwemuranda wenyu uye munyengetero wake waari kunyengetera pamberi penyu nhasi. 29 Maziso enyu ngaagare akatarisa kuimba iyi siku nesikati, kunzvimbo yamakati, ‘Zita rangu richava ipapo,’+ kuti muteerere munyengetero unopiwa nemuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino.+
-