-
2 Makoronike 10:1-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+ 2 Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati paakangozvinzwa, (akanga achiri kuIjipiti, nekuti akanga atiza Mambo Soromoni),+ Jerobhoamu akabva adzoka achibva kuIjipiti. 3 Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa, uye Jerobhoamu nevaIsraeri vese vakaenda kuna Rehobhoamu vakati: 4 “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”
-