-
1 Madzimambo 10:16, 17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
16 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru 200 achishandisa goridhe rakanga rakasanganiswa nedzimwe simbi+ (nhoo imwe neimwe yakaiswa mashekeri* 600 egoridhe)+ 17 nenhoo diki* 300 dzegoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi (nhoo diki imwe neimwe yakaiswa mamaina* matatu egoridhe). Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+
-
-
2 Makoronike 12:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Saka Mambo Shishaki weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema. Akatora pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo.* Akatora zvinhu zvese, kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+ 10 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo. 11 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaipinda vodzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi.
-