-
2 Makoronike 25:25-28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo weJudha akararama kwemakore 15 pashure pekufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.+ 26 Kana iri nhoroondo yese yaAmaziya, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, haina kunyorwa here muBhuku reMadzimambo eJudha neIsraeri? 27 Kubvira panguva yakatsauka Amaziya pakutevera Jehovha, vakamupandukira+ muJerusarema, achibva atizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko. 28 Saka vakamutakura nemabhiza vakadzoka naye, uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muguta raJudha.
-