-
2 Madzimambo 12:18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Mambo Jehoashi weJudha akabva atora mipiro mitsvene yakanga yatsaurwa nemadzitateguru ake Jehoshafati, Jehoramu, naAhaziya, iwo madzimambo eJudha, nemipiro yakewo mitsvene negoridhe rese raiva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha nemuimba yamambo,* akazvitumira kuna Hazaeri mambo weSiriya.+ Saka akarega kurwisa Jerusarema.
-
-
2 Makoronike 16:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Asa akabva atora sirivha negoridhe kubva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo,* akazvitumira kuna Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti: 3 “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira sirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.”
-