12 “Jehovha paanenge apedza basa rake rese paGomo reZiyoni nemuJerusarema, acharanga mambo weAsiriya nemhaka yekuzvikudza kwemwoyo wake, nekutarisa kwake kwekudada uye kwekuzvikudza.+ 13 Nekuti iye anoti,
‘Ndichazviita nesimba reruoko rwangu
Uye neuchenjeri hwangu, nekuti ndakachenjera.
Ndichabvisa miganhu yemarudzi+
Uye ndichapamba upfumi hwavo,+
Uye ndichakunda vagari vemo sezvinoita munhu ane simba.+