-
2 Madzimambo 5:25-27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 akapinda akamira pedyo natenzi wake. Erisha akabva ati kwaari: “Gehazi, uri kubva kupi?” Asi iye akati: “Mushandi wenyu haana kwaamboenda.”+ 26 Erisha akati kwaari: “Mwoyo wangu wanga usiri ikoko newe here paburuka murume wacho mungoro yake kuti asangane newe? Ndiyo nguva yekugamuchira sirivha kana kugamuchira nguo kana minda yemiorivhi kana minda yemizambiringa kana makwai kana mombe kana varandarume kana varandakadzi here?+ 27 Zvino maperembudzi aNaamani+ achanamatira iwe nezvizvarwa zvako nekusingaperi.” Pakarepo akabva pamberi pake ava nemaperembudzi, akachena sechando.+
-