-
2 Makoronike 36:9, 10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu nemazuva gumi muJerusarema; uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+ 10 Pakutanga kwegore,* Mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kuti vanomutora vauye naye kuBhabhironi+ pamwe chete nezvinhu zvinokosha zveimba yaJehovha.+ Akabva agadza Zedhekiya munin’ina wababa vake kuti ave mambo weJudha neJerusarema.+
-
-
Jeremiya 24:1Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
24 Jehovha akabva andiratidza tswanda mbiri dzemaonde dzakanga dzakaiswa pamberi petemberi yaJehovha, pashure pekunge Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi atapa Jekoniya*+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo weJudha, nemachinda eJudha, nemhizha, nevapfuri vesimbi;* akavatora muJerusarema akaenda navo kuBhabhironi.+
-