RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 52:31-34
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 Mugore rechi37 rekutapwa kwaMambo Jehoyakini+ weJudha, mumwedzi wechi12, pazuva rechi25 remwedzi wacho, Mambo Evhiri-merodhaki weBhabhironi, mugore raakava mambo, akabva asunungura Mambo* Jehoyakini weJudha, akamubudisa mujeri.+ 32 Akataura naye zvakanaka, akasimudzira chigaro chake cheumambo kuti chive pamusoro pezvigaro zveumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzemujeri, uye nguva dzese aidya pamberi pamambo mazuva ese eupenyu hwake. 34 Aigara achipiwa zvekudya namambo weBhabhironi zuva nezuva, mazuva ese eupenyu hwake, kusvikira pazuva raakafa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe