-
1 Makoronike 28:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Dhavhidhi akabva apa mwanakomana wake Soromoni purani+ yevharanda neyedzimba dzayo,+ nedzimba dzayo dzekuchengetera zvinhu, nedzimba dzepadenga rayo, nedzimba dzayo dzemukati, neimba yechekukwidibirisa chekuyananisa.*+ 12 Akamupa purani yezvinhu zvese yaakanga apiwa achiita zvekufemerwa* yezvivanze+ zveimba yaJehovha, yedzimba dzese dzekudyira dzaiva kumativi ese, yedzimba dzekuchengetera pfuma yeimba yaMwari wechokwadi, uye dzimba dzepfuma yezvinhu zvakatsveneswa;*+
-