-
2 Samueri 5:6-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kunorwa nevaJebhusi+ vaigara munyika yacho. VaJebhusi vakashora Dhavhidhi vachiti: “Hausi kuzopinda muno! Kunyange mapofu nevakaremara vachakudzinga.” Mupfungwa dzavo vaiti, ‘Dhavhidhi haasi kuzopinda muno.’+ 7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare* yeZiyoni, iyo yava kunzi Guta raDhavhidhi.+ 8 Saka Dhavhidhi akati pazuva iroro: “Vanhu vanorwisa vaJebhusi vanofanira kuenda nemumugero wemvura kuti vanouraya ‘vakaremara nemapofu,’ vanovengwa naDhavhidhi!”* Ndokusaka zvichinzi: “Mapofu nevakaremara havazopindi mumba macho.” 9 Dhavhidhi akatanga kugara munhare yacho, uye yakatumidzwa* kuti Guta raDhavhidhi; uye Dhavhidhi akatanga kuvaka kumativi ese achitangira kuMurwi Wevhu*+ achipinda mukati.+ 10 Saka Dhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba,+ uye Jehovha Mwari wemauto aiva naye.+
-