-
2 Samueri 7:4-7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Usiku ihwohwo chaihwo, shoko raJehovha rakauya kuna Natani, richiti: 5 “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ungandivakira imba yekuti ndigare here?+ 6 Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi,+ asi ndanga ndichifamba ndiri mutende uye mutebhenekeri.+ 7 Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri* vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevakuru vemadzinza aIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu vaIsraeri, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’
-
-
1 Madzimambo 8:17-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chekuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+ 18 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Waiva nechido mumwoyo mako chekuvakira zita rangu imba, uye wakaita zvakanaka nekuva nechido ichi mumwoyo mako. 19 Zvisinei, iwe hauzovaki imba yacho, asi mwanakomana wako wauchabereka* ndiye achavakira zita rangu imba.’+
-
-
1 Makoronike 22:7, 8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Ndaiva nechido mumwoyo mangu chekuti ndivakire zita raJehovha Mwari wangu imba.+ 8 Asi shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, ‘Wakadeura ropa rakawandisa, uye hondo dzawakarwa ihuru. Hauzovakiri zita rangu imba,+ nekuti wakadeura ropa rakawandisa panyika pamberi pangu.
-