-
2 Samueri 24:18-23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi zuva iroro akati kwaari: “Enda ugadzirire Jehovha atari paburiro* raArauna muJebhusi.”+ 19 Dhavhidhi akaenda akanoita zvakanga zvataurwa naGadhi, uyo akanga arayirwa naJehovha. 20 Arauna paakatarisa zasi ndokuona mambo nevaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabva akurumidza kubuda akaenda kuna mambo akakotama pamberi pake. 21 Arauna akabvunza kuti: “Nei ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akati: “Kuzotenga buriro kwauri kuti ndivakire Jehovha atari, kuti denda riri pavanhu rimiswe.”+ 22 Asi Arauna akati kuna Dhavhidhi: “Ishe wangu mambo ngaaritore abayire zvaanoda.* Pano ndine mombe dzechibayiro chinopiswa, nechirei chekupurisa, nemajoko emombe kuti zvive huni. 23 Arauna anopa mambo zvinhu zvese izvi, haiwa mambo.” Arauna akabva ati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaakukomborerei.”
-