35 Asi ndichabvisa umambo muruoko rwemwanakomana wake ndohupa kwauri, kureva madzinza gumi.+ 36 Ndichapa mwanakomana wake dzinza rimwe chete, kuti muranda wangu Dhavhidhi agare aine rambi pamberi pangu nguva dzese muJerusarema,+ guta randakasarudza kuti rive nzvimbo yekuisa zita rangu.