-
1 Madzimambo 22:13-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Saka nhume yakanga yaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Inzwa! Mashoko ari kutaurwa nevaprofita vese akanaka kuna mambo. Ndapota, shoko rako ngarifanane nemashoko avo, utaure zvinhu zvakanaka.”+ 14 Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu, chero zvandichaudzwa naJehovha ndizvo zvandichataura.” 15 Akabva apinda maiva namambo, uye mambo akamubvunza kuti: “Mikaya, tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti tirege?” Akabva apindura achiti: “Endai uye muchakunda; Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.” 16 Mambo akabva ati kwaari: “Ndinofanira kukuita kuti upike kangani kuti ungondiudza chokwadi chega muzita raJehovha?” 17 Saka akati: “Ndiri kuona vaIsraeri vese vakapararira mumakomo+ semakwai asina mufudzi. Jehovha ati: ‘Ava havana tenzi. Mumwe nemumwe ngaadzokere kumba kwake nerugare.’”
-