-
2 Madzimambo 14:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Panguva iyoyo Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo weIsraeri, achiti: “Uya tirwisane.”*+ 9 Mambo Jehoashi weIsraeri akatumira shoko kuna Mambo Amaziya weJudha, achiti: “Utumbambeva* hwemuRebhanoni hwakatumira shoko kumuti wemusidhari wemuRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yesango yemuRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho. 10 Wakaparadza Edhomu,+ saka mwoyo wako wava kuzvikudza. Fara nekukudzwa kwako, asi gara mumba mako.* Unodirei kutsvaga dambudziko woparara, iwe pamwe chete nevaJudha?”
-