-
2 Madzimambo 19:14, 15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Hezekiya akatora tsamba dzaiva muruoko rwenhume dzacho akadziverenga. Hezekiya akabva aenda kuimba yaJehovha, akadzibhedhenura* pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akabva atanga kunyengetera+ ari pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, agere pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi,+ imi mega ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwese hwenyika.+ Ndimi makasika denga nenyika.
-
-
2 Makoronike 14:11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Asa akabva ashevedzera kuna Jehovha Mwari wake,+ akati: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba.+ Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi,*+ uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.+ Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhu achikukundai.”+
-