-
Ezra 7:14-16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Nekuti watumwa namambo navanachipangamazano vake vanomwe kuti unoongorora kuti Mutemo waMwari wako wauinawo* uri kutevedzerwa here muJudha nemuJerusarema, 15 uye kuti utore sirivha negoridhe zvakapiwa nekuzvidira namambo navanachipangamazano vake kuna Mwari waIsraeri, uyo anogara muJerusarema, 16 nesirivha yese negoridhe zvaunogamuchira* mudunhu rese reBhabhironi pamwe chete nechipo chinopiwa nevanhu nevapristi vachizvidira kuimba yaMwari wavo iri muJerusarema.+
-