-
Jeremiya 34:18-20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Uye izvi ndizvo zvichaitika kuvarume vakaputsa sungano yangu pavakarega kuita mashoko ari musungano yavakaita pamberi pangu panguva yavakacheka mhuru nepakati vakapfuura nepakati pezvidimbu zvayo,+ 19 iwo machinda eJudha, nemachinda eJerusarema, vakuru vemumuzinda, vapristi, nevanhu vese vemunyika yacho, avo vakapfuura nepakati pezvidimbu zviviri zvemhuru yacho: 20 Ndichavaisa mumaoko evavengi vavo nemumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya,* uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.+
-