Numeri 18:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Jehovha akataurazve naAroni, akati: “Ini pachangu ndakupa basa rekuchengeta mipiro yandinopiwa.+ Ndapa iwe nevanakomana vako chikamu chezvinhu zvese zvitsvene zvinobviswa nevaIsraeri kuti ugare uri mugove wenyu.+ Numeri 18:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 “Mafuta avo akanakisisa newaini yavo yakanakisisa nezviyo zvavo zvakanakisisa, nezvibereko zvavo zvekutanga+ zvavanopa Jehovha, ndiri kuzvipa iwe.+ Dheuteronomi 18:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 “Vapristi vedzinza raRevhi, uye vanhu vedzinza rese zvaro raRevhi, havafaniri kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri. Vachadya zvinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, zvinova ndizvo nhaka yake.+ Dheuteronomi 18:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Unofanira kumupa zviyo* zvako zvinotanga kuibva, waini yako itsva, mafuta ako, nemvere dzinotanga kuveurwa pamakwai ako.+
8 Jehovha akataurazve naAroni, akati: “Ini pachangu ndakupa basa rekuchengeta mipiro yandinopiwa.+ Ndapa iwe nevanakomana vako chikamu chezvinhu zvese zvitsvene zvinobviswa nevaIsraeri kuti ugare uri mugove wenyu.+
12 “Mafuta avo akanakisisa newaini yavo yakanakisisa nezviyo zvavo zvakanakisisa, nezvibereko zvavo zvekutanga+ zvavanopa Jehovha, ndiri kuzvipa iwe.+
18 “Vapristi vedzinza raRevhi, uye vanhu vedzinza rese zvaro raRevhi, havafaniri kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri. Vachadya zvinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, zvinova ndizvo nhaka yake.+
4 Unofanira kumupa zviyo* zvako zvinotanga kuibva, waini yako itsva, mafuta ako, nemvere dzinotanga kuveurwa pamakwai ako.+