-
Esteri 4:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Modhekai+ paakaziva zvinhu zvese zvakanga zvaitwa,+ akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga, akazora madota. Akabva abuda akaenda pakati peguta, achichema achiridza mhere neshungu. 2 Asi akangogumira pagedhi ramambo, nekuti hapana aifanira kupinda mugedhi ramambo akapfeka masaga. 3 Uye mumatunhu ese+ akasvika shoko ramambo nemurayiro wake, makava nekuchema kukuru pavaJudha, vachitsanya+ nekusvimha misodzi, vachiridza mhere. Vakawanda vairara pamasaga nemumadota.+
-