7 Ndiye aichengeta Hadhasa, kureva Esteri, mwanasikana wehama yababa vake,+ nekuti akanga asina baba kana amai. Musikana wacho aiva nechimiro chakanaka uye akanaka pachiso, uye pakafa baba vake naamai vake, Modhekai akamutora kuti ave mwanasikana wake.