8 Uye ndiani akavharira gungwa nemasuo+
Parakaputika richibuda muchibereko,
9 Pandakaripfekedza makore,
Ndikariputira nerima gobvu,
10 Pandakariisira muganhu wangu,
Ndikaisa mazariro aro nemasuo,+
11 Ndikati, ‘Unogona kusvika apa, asi haufaniri kupapfuura;
Pano ndipo pachagumira mafungu ako makuru’?+