57 Munhu akarurama aparara,
Asi hakuna munhu ane hanya nazvo.
Varume vakavimbika vari kubviswa,+
Asi hapana ari kuzviona kuti munhu akarurama abviswa
Nemhaka yedambudziko.
2 Anopinda murugare.
Vanozorora pamibhedha yavo, vaya vese vanofamba zvakarurama.