Jobho 41:1 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 41 “Ungabata Revhiatani*+ nechirauro here,Kana kusunga rurimi rwayo netambo? Jobho 41:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 Hapana munhu angashinga kuidenha. Saka ndiani iyeye angada kumirisana neni?+ Pisarema 104:25, 26 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo,Rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.+ 26 Ngarava dzinofamba imomo,Uye Revhiatani,*+ yamakasika kuti itambire imomo.
25 Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo,Rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.+ 26 Ngarava dzinofamba imomo,Uye Revhiatani,*+ yamakasika kuti itambire imomo.