Genesisi 38:24 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Asi papfuura mwedzi ingasvika mitatu, Judha akaudzwa kuti: “Tamari muroora wako akaita zvechipfambi, uye atova nepamuviri nemhaka yeupfambi hwake.” Judha akabva ati: “Mubudisei apiswe.”+ Revhitiko 20:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 “‘Kana ari murume anoita upombwe nemudzimai wemunhu, uya anoita upombwe nemudzimai wemumwe wake, anotofanira kuurayiwa, iye pamwe chete nemukadzi wacho waaita naye upombwe.+ Dheuteronomi 22:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 “Kana murume akawanikidzwa akarara nemukadzi wemunhu, vese vanofanira kuurayiwa, murume wacho pamwe nemukadzi wacho waakarara naye.+ Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.
24 Asi papfuura mwedzi ingasvika mitatu, Judha akaudzwa kuti: “Tamari muroora wako akaita zvechipfambi, uye atova nepamuviri nemhaka yeupfambi hwake.” Judha akabva ati: “Mubudisei apiswe.”+
10 “‘Kana ari murume anoita upombwe nemudzimai wemunhu, uya anoita upombwe nemudzimai wemumwe wake, anotofanira kuurayiwa, iye pamwe chete nemukadzi wacho waaita naye upombwe.+
22 “Kana murume akawanikidzwa akarara nemukadzi wemunhu, vese vanofanira kuurayiwa, murume wacho pamwe nemukadzi wacho waakarara naye.+ Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.