-
Zvakazarurwa 20:12, 13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Uye ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro* akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu.+ Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo.+ 13 Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva* zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.+
-