RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 22:22-24
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 “Musatambudza chirikadzi kana kuti nherera.+ 23 Kana ukaitambudza, iyo ikandichemera, chokwadi ndichanzwa kuchema kwayo;+ 24 ndichatsamwa kwazvo, uye ndichakuurayai nebakatwa, madzimai enyu achava chirikadzi, uye vana venyu vachava nherera.

  • Dheuteronomi 10:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naShe wemadzishe,+ Mwari mukuru, ane simba, uye anoshamisa, asina waanosarura+ uye asingabvumi chiokomuhomwe. 18 Anotonga zvakarurama nyaya dzenherera nechirikadzi+ uye anoda mutorwa,+ achimupa zvekudya nezvekupfeka.

  • Pisarema 10:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Asi panoitika nhamo nematambudziko munozviona.

      Munotarisa moisa nyaya dzacho mumaoko enyu.+

      Munhu anotambudzwa anotendeukira kwamuri;+

      Ndimi mubatsiri wenherera.+

  • Pisarema 146:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  9 Jehovha anodzivirira vatorwa;

      Anotsigira nherera nechirikadzi,+

      Asi anoita kuti mazano evakaipa akundikane.*+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe