Dheuteronomi 32:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Wakakanganwa Dombo+ rakakubereka,Uye hauna kuyeuka Mwari akakuzvara.+ 2 Makoronike 13:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Inzwai! Mwari wechokwadi anesu achititungamirira uye vapristi vake vane mabhosvo ekuridza pakurwa nemi. Haiwa imi varume veIsraeri, musarwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu, nekuti hamuzokundi.”+ Jeremiya 2:32 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo here,Uye mwenga angakanganwa machira ake anosungwa nechemumazamu* here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwemazuva asingaverengeki.+
12 Inzwai! Mwari wechokwadi anesu achititungamirira uye vapristi vake vane mabhosvo ekuridza pakurwa nemi. Haiwa imi varume veIsraeri, musarwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu, nekuti hamuzokundi.”+
32 Mhandara ingakanganwa zvishongo zvayo here,Uye mwenga angakanganwa machira ake anosungwa nechemumazamu* here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwemazuva asingaverengeki.+