Pisarema 25:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Jehovha akanaka uye akarurama.+ Ndokusaka achirayiridza vatadzi nzira yavanofanira kufamba nayo.+ Pisarema 145:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese,+Uye ngoni dzake dzinooneka pamabasa ake ese. Ruka 18:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+