-
Mabasa 2:25-28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 Nekuti Dhavhidhi anoti nezvake: ‘Ndinoita kuti Jehovha* agare ari pamberi pangu, nekuti ari kuruoko rwangu rwerudyi zvekuti handizombozununguswi. 26 Saka mwoyo wangu wakapembera uye rurimi rwangu rwakafara zvikuru. Uye ndichagara ndiine* tariro; 27 nekuti hamuzondisiyi* muGuva,* uye hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora.+ 28 Makaita kuti ndizive nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro mukuru pamberi penyu.’+
-