-
Vatongi 10:6-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ vakatanga kushumira vanaBhaari,+ mifananidzo yaAshtoreti, vanamwari veAramu,* vanamwari veSidhoni, vanamwari veMoabhi,+ vanamwari vevaAmoni,+ navanamwari vevaFiristiya.+ Vakasiya Jehovha uye havana kumushumira. 7 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, uye akavatengesa mumaoko evaFiristiya nevaAmoni.+ 8 Saka vakarwadzisa uye vakadzvinyirira vaIsraeri kwazvo gore iroro; vakaita makore 18 vachidzvinyirira vaIsraeri vese vaiva kudivi raJodhani raimbova nyika yevaAmori muGiriyedhi.
-