14 Ndichaita seshumba diki kuna Efremu,
Uye semwana weshumba akasimba kuimba yaJudha.
Ini pachangu ndichavabvambura-bvambura ndoenda;+
Ndichavatakura ndoenda navo, uye hapana achavanunura.+
15 Ndichadzokera kunzvimbo yangu kusvikira vatambura nekukanganisa kwavo,
Vachabva vatsvaga kunzwirwa nyasha neni.+
Vachanditsvaga pavanenge vava kutambudzika.”+