-
Numeri 21:33-35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
33 Pashure paizvozvo vakaenda neNzira yeBhashani. Uye Ogi+ mambo weBhashani akabuda nevanhu vake vese kuzorwisana navo kuEdrei.+ 34 Jehovha akati kuna Mozisi: “Usamutya,+ nekuti ndichamuisa muruoko rwako+ pamwe nevanhu vake vese nenyika yake, uye uchamuita zvawakaita Sihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni.”+ 35 Saka vakaramba vachivauraya pamwe nevanakomana vake nevanhu vake vese, kusvikira pasisina akasara,+ uye vakatora nyika yake.+
-