RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 20:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Mwari wechokwadi akabva ati kwaari kuhope: “Ndinoziva kuti wakazviita usina pfungwa yekuita zvakaipa, saka ndakakudzivisa kuti urege kunditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata.

  • Dheuteronomi 17:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Munhu anoita zvekuzvikudza asingateereri mupristi ari kushumira Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi, anofanira kufa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+

  • 1 Samueri 15:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 nekuti kupanduka+ kwakafanana nechivi chekushopera,+ uye kuita zvinhu uchizvikudza kwakafanana nekushandisa simba remashiripiti nekunamata zvidhori.* Sezvo wakaramba shoko raJehovha,+ iye akurambawo kuti uve mambo.”+

  • 2 Samueri 6:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, Mwari wechokwadi akamurova+ ipapo nemhaka yekusaremekedza kwaakaita,+ uye akafira ipapo padivi peAreka yaMwari wechokwadi.

  • 2 Makoronike 26:16-18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza zvikaita kuti aparare uye akaita zvisina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, nekupinda kwaakaita mutemberi yaJehovha kuti apise rusenzi paatari yerusenzi.+ 17 Mupristi Azariya pamwe chete nevamwe vapristi vaJehovha 80 vainge vakashinga vakabva vapinda mukati vachimutevera. 18 Vakaenda pana Mambo Uziya vakati kwaari: “Imi Mambo Uziya hamufaniri kupisira Jehovha rusenzi!+ Vapristi chete ndivo vanofanira kupisa rusenzi, nekuti ndivo vazukuru vaAroni,+ vaya vakatsveneswa. Budai munzvimbo tsvene, nekuti maita zvisina kutendeka, uye Jehovha Mwari haasi kuzokukudzai nezvamaita.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe