47 Iti kusango rekumaodzanyemba, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kubatidza moto kuti ukupise,+ uye uchaparadza miti yese yakasvibirira, nemiti yako yese yakaoma. Rimi racho harizodzimwi,+ uye richapisa zviso zvese, kubva kumaodzanyemba kusvika kuchamhembe.