-
Genesisi 33:12-14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Isau akazoti: “Ngatibvei pano tiende. Rega ini nditungamire.” 13 Asi akati kwaari: “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vadiki+ uye ndine makwai nemombe zviri kuyamwisa. Kana zvikaswera zvichimhanyiswa, zvinofa zvese. 14 Ndapota, ishe wangu ngaaende mberi kwemuranda wake, asi ini ndichasimudzira nerwendo zvishoma nezvishoma maererano nekufamba kwezvipfuwo zvangu nekwevana, kusvikira ndasvika kunashe wangu kuSeiri.”+
-