-
1 Madzimambo 1:47, 48Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
47 Uyewo, varanda vamambo vapinda kuti vakorokotedze ishe wedu Mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive rakanaka kwazvo kupfuura zita renyu, uye ngaaite kuti chigaro chake cheumambo chive chikuru kupfuura chigaro chenyu cheumambo!’ Mambo abva akotamisa musoro wake ari pamubhedha. 48 Uye mambo atiwo, ‘Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo aita kuti mumwe munhu agare pachigaro changu cheumambo nhasi, uye aita kuti maziso angu azvione!’”
-