15 Hahugoni kutengwa negoridhe rakanatswa;
Uye sirivha haigoni kuyerwa kuti ichinjaniswe nahwo.+
16 Hahugoni kutengwa negoridhe rekuOfiri+
Kana nematombo asingawanzowaniki eonikisi nesafaya.
17 Goridhe negirazi hazvigoni kuenzaniswa nahwo;
Hapana kana mudziyo wegoridhe rakanatswa ungachinjaniswa nahwo.+
18 Matombo ekorari nekristaro haatomboverengwi,+
Nekuti homwe izere neuchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.