-
Dheuteronomi 24:14, 15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 “Usabiridzira munhu wemaricho anoshayiwa uye murombo, angava mumwe wehama dzako kana kuti mutorwa ari munyika yako, mumaguta* ako.+ 15 Unofanira kumubhadhara musi iwoyo,+ zuva risati ravira, nekuti iye anoshayiwa uye upenyu hwake hwakabatwa nemari yaanotambira. Ukasadaro, achakuchemera kuna Jehovha, uye uchanzi une chivi.+
-