-
2 Samueri 12:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Ndaida kukupa imba yashe wako+ uye ndaida kukupa madzimai ashe wako,+ uye ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha.+ Kuwedzera pana izvozvo, ndaitoda kukuitira zvimwe zvakawanda.+ 9 Wakaitirei zvakaipa pamberi paJehovha uchizvidza shoko rake? Wakauraya Uriya muHiti nebakatwa!+ Wakabva watora mudzimai wake kuti ave mudzimai wako,+ pashure pekunge wamuuraya nebakatwa revaAmoni.+ 10 Saka bakatwa harisi kuzobva mumba mako,+ nekuti wakandizvidza pawakatora mudzimai waUriya muHiti kuti ave mudzimai wako.’
-