-
Dhanieri 5:23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Asi makazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga,+ uye marayira kuti vakuunzirei midziyo yeimba yake.+ Imi nemakurukota enyu, nevarongo venyu nemamwe madzimai enyu mabva manwira mairi, mukarumbidza vanamwari vesirivha nevegoridhe, nevemhangura, nevesimbi, nevematanda, nevematombo, ivo vanamwari vasingaoni kana kunzwa uye vasina chavanoziva.+ Asi hamuna kukudza Mwari anokupai mweya wekufema+ uye ane simba pane zvese zvamunoita.
-
-
Mabasa 12:21-23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Rimwe zuva rakanga rasarudzwa, Herodhi akapfeka zvipfeko zveumambo, ndokugara pachigaro chekutonga, akatanga kutaura nevanhu vese. 22 Vanhu vakanga vakaungana vakabva vatanga kushevedzera vachiti: “Inzwi ramwari, kwete remunhu!” 23 Pakarepo ngirozi yaJehovha* yakamurova, nekuti haana kukudza Mwari, uye akadyiwa nehonye, akafa.
-