-
Joshua 14:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Iyi ndiyo nhaka yakatorwa nevaIsraeri munyika yeKenani, yavakapiwa nemupristi Eriyezari naJoshua mwanakomana waNuni nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 2 Nhaka yavo yakagovewa pachishandiswa mujenya,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi kuti ipiwe kumadzinza 9 nehafu.+
-