-
1 Samueri 16:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Pavaipinda panzvimbo yaibayirwa, akaona Eriyabhi+ achibva ati: “Chokwadi uyu ndiye muzodziwa waJehovha akamira pamberi pake.” 7 Asi Jehovha akati kuna Samueri: “Usatarisa chimiro chake nekureba kwake,+ nekuti haasi iye wandasarudza. Nekuti maonero anoita munhu haasi iwo maonero anoita Mwari, nekuti munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”+
-