-
2 Samueri 12:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Wakaitirei zvakaipa pamberi paJehovha uchizvidza shoko rake? Wakauraya Uriya muHiti nebakatwa!+ Wakabva watora mudzimai wake kuti ave mudzimai wako,+ pashure pekunge wamuuraya nebakatwa revaAmoni.+ 10 Saka bakatwa harisi kuzobva mumba mako,+ nekuti wakandizvidza pawakatora mudzimai waUriya muHiti kuti ave mudzimai wako.’ 11 Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kukuunzira dambudziko richabva mumba mako;+ ndichatora madzimai ako wakatarisa ndichiapa mumwe murume,*+ uye acharara nemadzimai ako masikati machena.*+
-