9 Ndichaita kuti chikamu chechitatu chipfuure nemumoto;
Ndichavanatsa sekunatswa kunoitwa sirivha,
Uye ndichavaedza sekuedzwa kunoitwa goridhe.+
Vachadana zita rangu
Uye ndichavapindura.
Ndichati, ‘Ivo vanhu vangu,’+
Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”