-
2 Makoronike 36:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti: 23 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema, riri muJudha.+ Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Jehovha Mwari wake ngaave naye uye ngaakwidze aende ikoko.’”+
-